Ephesians 6

Vana nevabereki

1Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama. 2Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso, 3kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika. 4Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe. 5Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu; 6kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo; 7muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu; 8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka. 9Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.

Nhumbi dzemuKristu dzekurwa nadzo

10Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake. 11Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi; 12nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga. 13Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire. 14Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama, 15uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare; 16pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa. 17Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari; 18muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese, 19nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri, 20yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.

Mashoko ekupedzisira

21Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese; 22wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu. 23Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. 24Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.

Copyright information for Shona